Judges 20

VaIsraeri vanorwa navaBhenjamini

1Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa. 2Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo. 3(VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwidza kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa kudai chakaitika sei?”

4Saka muRevhi, murume womukadzi akapondwa akati, “Ini nomurongo wangu takasvika paGibhea muBhenjamini kuti tindovatamo. 5Panguva dzousiku, varume veGibhea vakauya kwandiri vakakomba imba vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, uye akafa. 6Ndakatora murongo wangu, ndikamugura-gura uye ndikatumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yenhaka yeIsraeri, nokuti ndivo vakaita chinhu ichi chinonyangadza uye nokuita kunonyadzisa muIsraeri. 7Zvino, imi vaIsraeri mose, taurai uye mupe mutongo wenyu.”

8Vanhu vose vakasimuka somunhu mumwe chete vakati, “Hakuna mumwe wedu achaenda kumba. Kwete, hakuna mumwe wedu achadzokera kumba kwake. 9Asi zvino izvi ndizvo zvatichaita kuGibhea: Tichakwidza kundorwa nayo sokuratidza kwomujenya. 10Tichatora varume gumi kubva muzana roga roga kubva kumarudzi ose eIsraeri, uye zana kubva muchiuru, uye chiuru kubva mugumi rezviuru, kuti vavigire varwi mbuva. Ipapo, hondo painosvika paGibhea muBhenjamini, ichavapa zvakavafanira zvouipi hwavo uhu hwakaitwa muIsraeri.” 11Saka varume vose veIsraeri vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete kuti vandorwisa guta.

12Marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vachiti, “Munoti kudiniko pamusoro pemhosva yakaipisisa yakaparwa pakati penyu? 13Zvino tipei varume avo vakaipa veGibhea kuti tivauraye tigobvisa chakaipa muIsraeri.”

Asi vaBhenjamini havana kuda kuteerera hama dzavo vaIsraeri.
14Vakabva mumaguta avo vakaungana pamwe chete paGibhea kuti vazorwa navaIsraeri. 15Pakarepo vaBhenjamini vakaunganidza varume veminondo zviuru makumi maviri nezvitanhatu kubva mumaguta avo, pamusoro pamazana manomwe akasarudzwa kubva kuna avo vaigara muGibhea. 16Pakati pavarwi ava vose pakanga pane mazana manomwe avarume vakasarudzwa vakanga vane ziboshwe, mumwe nomumwe wavo aigona kupotsera ibwe kutsuro asingapotsi.

17KuIsraeri, kunze kwaBhenjamini vakaverenga varume veminondo zviuru mazana mana, vose vakanga vari varwi.

18VaIsraeri vakakwidza kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?”

Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.”

19Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea. 20Varume veIsraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini uye vakamira panzvimbo dzokurwa navo paGibhea. 21VaBhenjamini vakabuda muGibhea vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro. 22Asi varume veIsraeri vakakurudzirana uyezve vakamira panzvimbo dzavo dzavakanga vatora pazuva rokutanga. 23VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?”

Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.”

24Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri. 25Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo.

26Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. 27Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo, 28Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?”

Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”

29Ipapo vaIsraeri vakandovandira vakakomberedza Gibhea. 30Vakakwidza kundorwa navaBhenjamini pazuva retatu uye vakamira panzvimbo dzavo dzehondo kuti varwe neGibhea sezvavakamboita kare. 31VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea.

32VaBhenjamini pavaiti, “Tiri kuvakunda sapakutanga,” vaIsraeri vaiti, “Ngatidududzirei mumashure tivakwezvere kure neguta kumigwagwa.”

33Varume vose veIsraeri vakafamba kubva panzvimbo dzavo uye vakandomira paBhaari Tamari, uye vaIsraeri vakanga vakavandira vakabuda munzvimbo dzavo pamavirira eGibhea. 34Ipapo zviuru gumi zvavarume veIsraeri vakanga vakasarudzwa vakavarwisa nechemberi paGibhea. Kurwa kwakanga kwanyanya kwazvo zvokuti vaBhenjamini havana kuziva kuti njodzi yakanga yava pedyo zvakaita sei. 35Jehovha akakunda Bhenjamini pamberi peIsraeri, uye pazuva iro vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini, vose vakanga vakapakata minondo zviuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe chete. 36Ipapo vaBhenjamini vakaona kuti vakanga vakundwa.

Zvino varume veIsraeri vakanga vachitiza pamberi pavaBhenjamini, nokuti vakanga vachisimba nokuvandira kwavakanga varonga pedyo neGibhea.
37Varume vakanga vakavandira vakapinda muGibhea pakarepo, vakapararira uye vakaparadza guta rose nomunondo. 38Varume veIsraeri vakanga varonga navakanga vakavandira kuti pavaizorwisa, vamwe vaifanira kubatidza moto unobuda utsi huzhinji muguta, 39uye ipapo varume veIsraeri vaizovashandukira pakurwa.

VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.”
40Asi utsi pahwakatanga kukwira kubva muguta, vaBhenjamini vakacheuka vakaona utsi hweguta rose huchikwira kudenga. 41Ipapo varume veIsraeri vakavadzokera, uye varume veBhenjamini vakavhundutswa, nokuti vakaziva kuti njodzi yakanga yavawira. 42Saka vakatiza pamberi pavaIsraeri nenzira inoenda kurenje, asi havana kugona kupunyuka pahondo. Uye varume veIsraeri vakabuda kubva mumaguta vakavauraya ipapo. 43Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzinganisa vakavabata nyore nyore pedyo neGibhea nechokumabvazuva. 44VaBhenjamini zviuru gumi nezvisere vakafa, vose vaiva varwi voumhare. 45Vakati vadzoka vakatiza vakananga kurenje kuruware rwaRimoni, vaIsraeri vakauraya varume zviuru zvishanu (mumigwagwa). Vakaramba vachitevera vaBhenjamini kusvikira paGidhomi uye vakaurayazve vamwe zviuru zviviri.

46Pazuva iroro, kwakafa varume vaBhenjamini veminondo zviuru makumi maviri nezvishanu, vose varwi voumhare. 47Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka vakatizira murenje kuruware rweRimoni, kwavakandogara kwemwedzi mina. 48Varume veIsraeri vakadzokera kuBhenjamini uye vakaparadza maguta ose nomunondo, kusanganisira mhuka nezvimwe zvose zvavakawana. Maguta ose avakaona vakaapisa.

Copyright information for SnaBDSC